Jeremiah 16

Zuva reNjodzi

1Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Haufaniri kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.” 3Nokuti zvanzi naJehovha, pamusoro pavanakomana navanasikana vanoberekwa munyika ino napamusoro pavakadzi vanova vanamai vavo navarume vanova madzibaba avo: 4“Vachafa nehosha dzakaipisisa. Havangazochemwi kana kuvigwa asi vachafanana nomupfudze uri pamusoro penyika. Vachaparara nomunondo nenzara, uye zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.”

5Nokuti zvanzi naJehovha: “Usapinda muimba mune zvokudya zvamariro: usaenda kundochema kana kuvanzwira tsitsi, nokuti ndabvisa maropafadzo norudo rwangu nengoni dzangu pavanhu ava,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 6“Vose, vakuru navaduku vachafa munyika ino. Havangavigwi kana kuchemwa, uye hakuna munhu achazvicheka kana kuveura musoro wake nokuda kwavo. 7Hakuna munhu achavapa chokudya kuti vanyarare pakuchema kwavo vakafa, hakuna kunyange baba chaivo kana mai, hakuna kana achavapa mvura yokunwa chaiyo kuti vanyarare.

8“Newe usapinda muimba inoitirwa mutambo kundogara pasi uchidya nokunwa. 9Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, mheremhere yokupembera nenzwi romufaro uye nenzwi romwenga nerechikomba.

10“Paunovaudza vanhu ava izvi zvose ivo vakakubvunza vachiti ‘Jehovha aisireiko kwatiri chirevo chenjodzi yakakura kudai? Chakaipa chatakaita ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko chatakatadzira Jehovha Mwari wedu?’ 11ipapo uti kwavari, ‘Nemhaka yokuti madzibaba enyu akandisiya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘vakatevera vamwe vamwari vakavashumira uye vakavanamata. Vakandisiya ini uye havana kuchengeta mirayiro yangu. 12Asi imi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu. Tarirai kuti mumwe nomumwe wenyu anotevera sei kusindimara kwomwoyo wake wakaipa pano kuti anditeerere ini. 13Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamusina kumboziva imi kana madzibaba enyu mugondoshumira vamwe vamwari ikoko masikati nousiku, nokuti handingakunzwirei nyasha.’

14“Kunyange zvakadaro, mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “avasingazotizve, ‘NaJehovha mupenyu iye akabudisa vaIsraeri muIjipiti,’ 15asi vachati, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa vaIsraeri kubva munyika yokumusoro uye nokubva munyika dzose dzaakanga avadzingira.’ Nokuti ndichavadzoserazve kunyika yandakapa madzitateguru avo.

16“Asi zvino ndichavatumira varedzi vehove vazhinji,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vagozovabata. Mushure maizvozvo ndichatumira vavhimi vazhinji, vachavavhima pamusoro pegomo roga roga napamusoro pechikomo choga choga uye nomumapako amatombo. 17Meso angu ari pamusoro penzira dzavo dzose; hadzina kuvanzika kwandiri, uye chivi chavo hachina kuvanzika pameso angu. 18Ndichatsiva zvakaipa zvavo nechivi chavo, zvakapetwa kaviri, nokuti vakasvibisa nyika yangu nezvitunha zvezvifananidzo zvavo zvisina maturo, uye vakazadza nhaka yangu nezvifananidzo zvavo zvinonyangadza.”

19Imi Jehovha, simba rangu nenhare yangu,
utiziro hwangu munguva yokutambudzika,
ndudzi dzichauya kwamuri
dzichibva kumagumo enyika, dzichiti,
“Madzibaba edu akanga asina chaanacho asi vamwari venhema bedzi,
izvo zvifananidzo zvisingabatsiri zvisina chakanaka chazvakavaitira.
20Ko, vanhu vanozviitira vamwari vavo here?
Hongu, asi havasi vamwari!”

21“Naizvozvo ndichavadzidzisa,
nguva ino ndichavadzidzisa
simba rangu noukuru hwangu.
Ipapo vachaziva
kuti zita rangu ndiJehovha.
Copyright information for SnaBDSC